VaChinamasa Vanoti Vari muWashington Vachipinda Misangano yeWorld Bank neIMF

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Patrick Chinamasa

Gurukota rezvemari, Va Patrick Phinamasa, vari mu Washington DC umo vari kupinda misangano ye World Bank ne International Monetary Fund.

VaChinamasa vanoti vachange vachisangana nebazi rezvekudyidzana kweAmerica nenyika dzekunze vachizeya nyaya yekuti zvirango zvakatemerwa nyika zvibviswe sezvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika.

VaChinamasa vari America pamwechete nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, avo vachange vachipindawo mumisangano iyi.

VaChinamasa vati kunyange hazvo zvinhu zvakawoma munyika, vachayedza kubhadhara mabhonasi evashandi vehurumende sekutaura kwavakaita.

Panyaya yekudzingwa basa kwavanamukoti kwakaitika neChipiri mushure mekunge varatidzira, VaChinamasa vati vari kukatyamadzwa nezviri kuitika sezvo pavakabva munyika izvi zvakange zvisati zvaitika.

Vaenderera mberi vachiti sangano rinomirira vanamukoti rinofanirwa kutaurirana nenhengo dzaro sezvo chinguva chapfuura sangano iri rakaita misangano nehurumende pakamboramwa vana chiremba mabasa vakawirirana pamusoro pemihoro yevashandi ava.

VaChinamasa vati zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinofanirwa kutora mukana uripo pari zvino kuti vaite mabhizimusi kumusha.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatrick Chinamasa