Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vawongororwe Gomara Pachine Nguva

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vanachiremba vachiongorora mifananidzo yemurwere ane gomarara.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese kuwongororwa chirwere chegomarara, apo Zimbabwe nepasi rose vari kurangarira chirwere ichi pazuva reWorld Cancer Day..

Munyori musangano iri, Dr. Evans Masitara, vanoti magomarara ari kunyanya kunetsa veruzhinji munyika anosanganisira gomarara remuromo wechibereko nerezamu kumadzimai, kwotiwo gomarara resikarudzi kuvanhurume.

Dr. Masitara vanoti vanhu vanofanira kukoshesa kudya zvikafu zvechinyakare sezvo izvi zvichibatsira kudzivirira zvimwe zvirwere.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese kuwongororwa chirwere chegomarara, apo Zimbabwe nepasi rose vari kurangarira chirwere ichi pazuva reWorld Cancer Day.

Vanoti zvikafu zvavakudyiwa mazuva ano hazvina hutano hwakanaka sezvo zvakawanda shuga nezvimwewo.

"Chakakosha kuwongororwa kuti chirwere chitange kurapwa chisati chakomba uye kukoshesa kudya chikafu chinovaka muviri," Dr. Masitara vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Evans Masitara