Muzinda weAfrican Union muWashington DC Wokoka Muimbi, Akon

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Arikana Chihombori-Quao

Mumiriri we African Union muAmerica, Doctor Arikana Chihombori-Quao, vanoti sangano ravo riri kuparura chirongwa chekuti zvizvarwa zvemuAfrica zviri kunze kwenyika zvizeye pamusoro pekugadzirisa zvinhu munyika zvadzinobva.

Doctor Chihombori–Quao vanoti muimbi wekuSenegal, Akon, uyo anoshanda nesangano reAkon Lighting Africa, iro rinounza magetsi kunyika dzakawanda dzemuAfrica, achange ari pachiitiko chekuparura hurukuro dzichange dzichiitwa mwedzi wega wega dzichaunganidza zvizvarwa zvemuAfrica zviri muAmerica, zvinosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe.

Muimbi Akon neMumiriri weSangano reAfrican Union muWashington Dr Chihombori -Quao

"Shuwiro yedu ndeyekuti tirambe tichaita hurukuro dzakadayi mwedzi wega wega kuitira kuti zvizvarwa zvemuAfrica zvikwanise kudzidza nzira itsva dzekufambisa mabhizinesi," Amai Chihombori -Quao vaudza Studio 7.

Mumwe munyarikani ange ari pachiitiko ichi, munyori, Jesse J.Holland, uyo akanyora bhuku rinonzi "Black Panther", iro rine firimu yanetsa pari rose rine chizvarwa cheZimbabwe , Danai Gurira.

Amai Chihombori - Quao vanoti shuriwo yavo ndeyekuti zvizvarwa zveAfrica zvibatane munyaya dzemabhizinesi uye kuti vakwanise kuvandudza hupfumi hwenyika dzavo.