MDC Yoratidzira kuUnited Nations General Assembly muNew York

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Sachigaro weMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa mudunhu North America, VaTawanda Dzvokora, vanoti hurongwa hwavo hwekuratidzira muNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly huri kufamba zvakanaka chose.

VaDzvokora vanoti muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, achange ari muNew York nevamwe vanyarikani, vachiratidzira pamwe chete nevamwe kusafara kwavo nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kunge vari kumusangano weUnited Nations General Assembly svondo rinouya.

Aka kava kechipiri VaMnangagwa vachipinda mumusangano uyu semutungamiri wenyika.

VaDzvokora vanoti vari kutarisira kuwana rutsigiro kubva kunhengo dzebato ravo dziri muAmerica, dzinobva kuCanada, kuBritain nevamwe vari kubva kuZimbabwe.

"VaMapfumo vakange vari pakuratidzira kwakaitwa nezvizvarwa zveZimbabwe nevatsigiri veMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa pamusangano wekupedzisira wakapindwa naVaRobert Mugabe. Tinotarisira kuti izvi zvich yeuchidza vamwe vasina kunge vakaronga kuti vauye kuchiitiko ichi kuti vauyewo kuNew York," VaDzvokora vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora