Doctor Dendere Vofadzwa neHuwandu hweMadzimai emuAmerica Akasarudzwa Kuve Nhengo dzeParamende

  • Jonga Kandemiiri

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Doctor Chipo Dendere, vanoti vari kufara zvikuru nehuwandu hwevanhukadzi vakakwikwidza uye kukwanisa kukunda musarudzo dzepakati petemu dzakaitwa muAmerica neChipiri.

Doctor Dendere, avo vanodzidzisa pa Amherst College mudunhu reMassachusetts, vanoti uyu mucherechedzo wekuti madzimai akashanda zvakanyanya mukuona kuti vapinda musarudzo idzi mushure mekutsamwiswa nemafambiro akaita sarudzo muna 2o16, apo mudzimai aitarisirwa nevakawanda kuve mutungamiri weAmeica wechidzimai wekutanga, Amai Hillary Clinton, vebato reDemocratic Party, vakakundwa naVaDonald Trump vebato re Republican Party musarudzo dzakakonzera mutauro wakanyanya.

Mudzimai wekuSomalia ave chizvarwa cheAmerica, Ilhar Omar wechitendero chechi Moslem, akasarudzwawo kupinda muparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere