Dzimwe Nyanzvi Dzoti Gore Rekutanga RaVaTrump Harina Kuvafambira Zvakanaka

VaDonald Trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump nezuro vakasvitsa gore rimwe chete vari muhofisi zvichitevera kutoreswa kwavo mhiko yekuve mutungamiri wenyika musi wa 20 Ndira 2017.

Asi gore rekutanga VaTrump vari muhofisi rakazara nekupopotedzana nekutukana nevanhu vemuno mu America nevekune dzimwe nyika.

Vamwe vevakavavhotera vanonzi vari kufara nemaitiro avo, kunyange vazhinji vari kuti havaoni VaTrump sevanekodzero yekuva mutungamiri weAmerica.

Ongororo yemafungiro evanhu vekune dzimwe nyika inoratidza kuti mugore rekutanga VaTrump vari mutungamiri, chiremera che America mumaziso edzimwe nyika chakaderera zvakanyanya. Panguva iyo VaTrump vasvitsa gore vari muhofisi, hurumende yeAmerica yapindawo muzuva repiri nhasi yakavhara mamwe mapoka nekuda kwekusawirirana pahurongwa hwemari yekushandisa pamwe nenyaya dzevanopinda munyika iyi, pakati penhengo dzeparamende dzebato raVaTrump rema Republican nedzebato rinopikisa reDemocratic Party.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paAmherst College ku Massachussets, Doctor Chipo Dendere, vanoti chinhu chimwe chavane idi nacho ndechokuti gore rekutanga iri radzidzisa VaTrump kukosha kwekushanda nevanhu vese kunyange vaye vausingawirirani navo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere