Nhengo dze 31st July Movement Dzogadzira Pombi Dzinorasa Tsvina muMusha weBudiriro

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dze 31st July Movement dzinoti dziri kutsvaira nekubvisa marara zvisineyi nezvematongerwo enyika.

Sangano reJuly 31st July Movement, iro rinorwira kugara kwakanaka kwevanhu pamwe nehutano hwakanaka, neSvondo rakaenderera mberi nekuchenesa misha inogara veruzhinji mushure mekubvisa marara mumisha yeSouthlea neBudiriro muHarare.

Nhengo dzesangano iri dziri kubvisa marara pamwe nekutsvaira nzvimbo dzinorasirwa marara mumisha yeveruzhinji.

Imwe nhengo yesangano iri uye vari mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti mumusha weBudiriro umo vkagadzira pombi dzinorasa tsvina dzakanga dzakaputika.

VaNgarivhume vanoti sangano ravo rinoshanda nevose vanhu zvisineyi nekuti ndevebato rematongerwo enyika ripi, uye vane tarisiro yekubuda muHarare masvondo anotevera vachipindawo mune mamwe maguta.

Your browser doesn’t support HTML5

hurukuro naVaJacob Ngarivhume