Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKupambwa kweVanhu

  • Blessing Zulu

Itai Dzamara

Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika neMuvhuro kucherechedza zuva rekurangarira vanhu vanopambwa zvikuru vemapazi ehurumende kana kuti United Nations International Day of Victims of Enforced Disappearances.

Zuva iri rinowanzocherechedzwa nemusi wa 30 Nyamavhuvhu nenyika dziri mumubatanidzwa weUnited Nations.

Munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki Moon vashora zvikuru nyaya dzekupambwa kwevanhu munyika dzakasiyaa siyana.

UN inoti gore rapera kwakapambwa vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi mana nevatanhatu.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights iro rinobatsira vanhu vanenge vapambwa ava rakabatana nemamwe masangano hurongwa uhu paAnglican Cathedral muHarare.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights VaDzimbabwe Chimbga vanoti hurumende haina zvakati tsvikiti zvairi kuita kudzivirira kupambwe kwevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzimbabwe Chimbga

Mashoko aya atsinhirwawo nemumwe akambopambwa VaFidelis Chiramba vekuBanket. VaChiramba vanoti vakapambwa nemapurisa vakapedza mwedzi mitatu vasina kuona mhuri yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFidelis Chiramba

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaZiyambi Ziyambi vanoti hurumende iri kuita zvose zvainogona kuferefeta nyaya dzose dzevanhu vanenge vapambwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi