Gweta raVaDzamara Rinoti VaMugabe Ngavashore Kutsakatika Kwavo

  • Blessing Zulu

Itai Dzamara

Gweta riri kumirira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kuti vataure nezvekupambwa kwaVaDzamara kuitira kuti nyaya iyi ikurumidze kuferefetwa senyaya yakakosha zvikuru.

Mashoko aVaCharles Kwaramba anotevera mashoko emutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, ekuti VaMugabe havana nguva yekutaura nezvenyaya yeVaDzamara sezvo iri mumaoko emapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Kwaramba

VaCharamba vanoti pane vanhu vakawanda vave kuda kuita zvematongerwo enyika vachishandisa nyaya yaVaDzamara. VaDzamara vanotungamira chikwata cheOccupy Africa Unity Square, icho chaikurudzira kuti VaMugabe vasiye chigaro nekuti vatadza kutonga.

VaDzamara vakapambwa muGlen View muHarare nemusi wa 9 Kurume nevarume vashanu vaive nepfuti nemotokari.

Masangano anopikisa, akazvimirira oga, hurumende dzekunze vave nenguva vachishora hurumende nekutadza kuchimbidza kuongorora kupambwa kwaVaDzamara.

Mupurisa anonzi ari kutungamira kuferefetwa kwenyaya iyi, Assistant Commisioner Crispen Makedenge, varamba kuti ndivo mutikitivha mukuru panyaya iyi vakati titaure nevakuru vemapurisa kuPolice General Headquarters.

Mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaZiyambi Ziyambi, vati mapurisa ari kuyedza kuongorora nyaya iyi uye vatiwo VaDzamara handivo chete munhu akatsakatika munyika vachipa muenzaniso gamba renyika, VaEdison Sithole, vakatsakatika muna 1975 nyika isati yawana kuzvitonga kuzere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi