Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN raburitsa ongororo inoratidza kuti bato riri kutonga reZanu-PF riri kushandisa midziyo yehurumende mukutsvaga rutsigiro.
Ongororo iyi yakaitwa nevaongorori veZESN vari mumatunhu ose enyika mazana maviri negumi muri kuitwa sarudzo dzevamiriri vedare reparamende.
Sachigaro weZESN, VaAndrew Makoni vati hurumende iri kushandisa zvikopo kopo nedzimotokari dzehurumende. Vatiwo dzimwe nguva hurumende iri kutanga yapa vanhu mombe pozoitwa musangano weZanu-PF padivi. Izvi vati hazvibvumidzwe pamutemo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaAndrew Makoni
Asi munyori anoona nezvemitemo muZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti Zanu-PF iri kuzodzwa mapurisa enguve yaisina kudya.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
Vati mubumbiro remutemo, mutungamiri wenyika anoramba ari pabasa kusvika panopera sarudzo nekudaro anokwanisa kushandisa midziyo yehurumende.