Sachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN VaAndrew Makoni vanoti zvinhu zviri kutaurwa nevanopikisa kuti zvigadziriswe neZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC sarudzo dzisati dzaitwa zvinofanira kuongorora kuti sarudzo dzisaite mutauro.
Vanopikisa ava vari kuronga kuratidzira nemusi weChipiri vachitsutsumwa nenyaya yekuti havasi kupihwa gwaro revavhoti uye mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakurumidza kumedza kutsenga kuchada apo vakatara zuva resarudzo paine zvimwe zvirehwa rehwa zvinoda kuitwa.
VaMakoni vanoti ichokwadi kuti VaMnangagwa vanenge vakakurumidza kutara zuva resarudzo nekuti vari kukwikwidza vanofanira kunge vaendesa mapepa nemusi wa14 asi mukuita izvi vanoda mazita evanhu vari pagwaro revavhoti.
Izvi zvinonzi nemamwe magweta zvichapa kuti vamwe varambirwe mapepa avo kana vachida kukwikwidza vakaisa mazita evanhu vasiri pagwaro revavhoti.
Zvichakadaro, komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yaburitsa mashoko ichikurudzira vanoda mabasa ekuipa zvikwanisiro mukuita sarudzo kuti vaunze mapapepa avo kumahofisi avo.
Zviri kudiwa neZEC zvinosanganisa midziyo yekushandisa musarudzo, zvinosanganisawo matende, zvimbuzi uye “insurance yemotokari”.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaAndrew Makoni