Zec Yomhang'arira VaMnangagwa naVaChamisa kuMapurisa

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vaimbova mutevedzeri vemutungamiri wenyika vachitungamira mubatanidzwa wePeople's Rainbow Coalition, Amai Joyce Mujuru, vanoti mutungamiri we Zanu-PF, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanofanira kurangwa nemutemo mushure mekunge vapomerwa mhosva yekutyora mutemo nekutsvaga rutsigiro zuva rimwe chete sarudzo dzisati dzaitwa.

VaChamisa vanonzi vakaita musangano nevatori venhau ukuwo VaMnangagwa vachiburitsa vhidhiyo inonzi vaitsvaga rutsigiro padandemutande reFacebook.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Zec, Amai Priscilla Chigumba, vati vaendesa mazita evanhu vaviri kumapurisa avo vasina kuvadoma nemazita.

Asi veMDC Alliance vari kugunun’una kuti neSvondo, vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvesarudzo muZec, VaUtoile Silaigwana, vakaudza nhepfenyuro yeZBC kuti VaChamisa vakange vatyora mitemo yeasrudzo.

Pasi pemutemo wesarudzo hapana munhu anobvumidzwa kutsvaga rutsigiro kwasara maawa makumi maviri nemana kuti sarudzo dziitwe.

Asi magweta aVaChamisa anoti VaChamisa havana kutyora mutemo vachiti Zec iri kuda kuvasvibisa pamberi pesarudzo.

Mutevedzeri wemunyori wezvemutemo muZanu-PF, VaFortune Chasi, vatiwo VaMnangagwa havana kutsvaga rutsigiro asi vakangopindura zvainge zvataurwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvekuti havaizovavhotera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Joice Mujuru