ZCTU Yotsvaga Rubatsiro rweMatare

  • Ntungamili Nkomo

Rimwe remasangano evashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, ZCTU, rinoti richakumbira matare edzimhosva nemusi weChitatu kuti rirambidze mapurisa kuvhiringidza kuratidzira kwenhengo dzaro.

Izvi zvinouya mushure mekunge mapurisa aya atadzisa hurongwa hwesangano iri hwekuratidzira muHarare nemusi weMugovera.

ZCTU yakanga yaronga kuratidzira uku ichinyunyuta nekudzingwa kwevashandi zvisina tsarukano.

Kunyange hazvo kuratidzira uku kwakaenderera mberi zvakanaka kumaguta anoti Bulawayo, Gweru, Mutare neMasvingo, muHarare hakuna kuratidzirwa nekuti mapurisa akashungurudza hutungamiri hweZCTU neMugovera uye akarova munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe.

Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, avo vakashungurudzawo nemapurisa, vanoti vava kuenda kumatare nekuti kuratidzira ikodzero yemunhu wese muZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Japhet Moyo

VaMajongwe vanoti zvisinei nekurohwa kwavo, vacharamba vachirwira kodzero dzevashandi uye vachinyunyuta nekudzingwa kwevashandi mabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Raymond Majongwe