ZCTU Inoti Vashandi veMumba Votambiriswa Mutero weMbwa

  • Blessing Zulu

Mr Peter Mutasa

Sangano rinomirira vashandi rerezctu riri kushora zvikuru hurumende nemari yayatara kuti itambirwe nevashandi vemudzimba nevanoshanda mumagadheni.

Vashandi ava vanzi vatambiriswe mari iri pasi pemadhora emunyika zana nemakumi matanhatu nemasere kana kana kuti madhora matanhatu ekuAmerica.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashndi muzvinafundo Paul Mavima kunyangwe tange tavatumira mibvunzo tichida kunzwa divi ravo.

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi VaPeter Mutasa vanoti vashandi ava vari kutambiriswa mutero wembwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeter Mutasa