ZCTU Inoti Vashandi Ngavatambiriswe Mari Yakapetwa Kaviri Sezvo Zvinhu Zvaoma

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo nemutungamiri wesangano iri VaPeter Mutasa

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU VaJaphet Moyo vanoti vashandi vari kuda kuwedzerwa mari yepamwedzi nezvikamu mazana maviri kubva muzana sezvo mitengo yezvinhu yave kukwira kana kaviri pazuva.

Hurumende iri kutatarika kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi nekuda kwekushaya mari yekunze.

Zvimwe zvinhu zviri kudhura zvimwe zvakaita seshuga, mafuta nemupunga zvichitoshayika muzvitoro. Vashandi vehurumende vakaita savanamukoti navanachiremba vanoti vari kuda kubhadharwa nedhora reAmerica kuti vakwanise kurarama.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurkuro naVaJaphet Moyo