ZCTU Inoti Ngapaitwe Hurukuro paNyaya yeMitengo Yoita Chamurambamhuru

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti panofanira kuitwa musangano wechimbi chimbi weTNF kuzeya nyaya yemitengo yezvinhu yoramba yoita chamurambamhuru.

Mitengo yezvinhu zvekudya uye michova yakawedzerwa zvakanyanya mumazuva mashoma adarika.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vati vange vachangopinda munyika kubva kuAmerica nekudaro vange vachida kumbotura befu.

Mutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe Doctor Israel Murefu vati vange vakabatikana vakati tigozovafonera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo