ZCTU Inoti Bhajeti Harizadzise Tarisiro Dzevashandi neVarombo

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vemuZimbabwe vachiratidzira

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti bhajeti rakaturwa nemusi weChna negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, harizadzise tariso yevashandi pamwe nevarombo.

Munyori mukuru wesangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti hapana zvitsva zvavakaona zvakaburitswa nebhajeti iri kubva hurumende yasarudzwa uye kubva pave negurukota rezvehupfumi idzva.

Asi vanotiwo pane zvimwewo zvakanaka zviri muhurongwa uhwu zvinobatsira nyika-zvakafanana nenyaya yekubvisa vashandi vanonzi vari kutambiriswa mari vasina kubairwa zvitupa, kana kuti 'ghost workers'.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo