ZCTU Inoiti Hurumende Haikwanise Kushandisa Mitemo yeChimbichimbi Kudzinga Basa Vashandi

Vatungamiri veZCTU, VaJaphet Moyo, naVaPeter Mutasa

Sangano guru revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, rinoti hurumende haikwanise kudzinga basa vashandi ichishandisa mitemo yechimbi chimbi, kana kuti Statutory Instruments, sezvairi kutaura sezvo kuri kutyora bumbiro remitemo.

Hurumende yakazivisa kuti kutanga nhasi, Muvhuro, vashandi vayo vose vanenge vasina kubayiwa nhomba vachamiswa basa vonyimwa mari yemihoro kunze kwekunge vaine zvikonzero zvakati tsvikiti.

Vanenge vagarisa vasina kubayiwa vanonzi vanogona kudzingwa basa. Hurumende yakatoburitsa kare mugwaro rayo, reGovernment Gazette, kuti vashandi vose vange vabayiwa nhomba kusvika musi wa 15 Gumiguru.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vaudza Studio 7 kuti hapana kudududza panyaya iyi. Asi munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vaudza Studio 7 kuti kudzinga vashandi kutyora bumbiro remitemo uye vashandi vanokwanisa kuenda kumatare

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Zvichakadaro, rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, rinoti rinokurudzira nhengo dzaro kuti dzirambe dzichienda kuzvikoro kusvika dzazonyorerwa tsamba dzekuvamisa basa nehurumende.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vanoti pane zvikonzero zvizhinji zvinotadzisa vamwe vanhu kuti vabaiwe nhomba, vachiti iyi haisi nyaya yekumanikidza vanhu asi kuti hurumende ione kuti chii chiri kukonzera kuti vamwe vatsike madziro pakubayiwa nhomba yeCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou