Zanu PF Yotungamira Musarudzo dzeNational Assembly

  • Thomas Chiripasi

ZEC Chigumba

Zviri kubuda musarudzo dzekumaruwa zviri kuratidza kuti Zanu PF iri kutungamira musarudzo dzakaitwa neMuvhuro, kunyange hazvo matunhu mashoma aburitsa zvakabuda musarudzo.

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Justice Priscilla Chigumba, vazivisa kuti Zanu PF yakunda pasarudzo dzeparamende kuChiredzi East, Hwedza South, Masvingo West, Masvingo South, Mudzi North neMarondera West.

MDC Alliance yakunda kuGwanda Central.

Munyori wezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vati vafara nezvabuda musarudzo pari zvino.

Munyori mukuru muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vati pachine mutambo uye vane zvikwata zvavo zviri kuunganidza zvabuda musarudzo kubva kumatunhu ese.

Kunyange hazvo zvabuda mudunhu ravo reHarare Central zvisati zvaziviswa, vamwe vange vachikwikwidza munzvimbo iyi, Muzvare Linda Masarira, vaudza Studio 7 kuti vakundikana uye vatambira zvabuda musarudzo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti vari kufadzwa nezviri kubuda musarudzo.

Justice Chigumba vati vachizivisa zvimwe zvabuda musarudzo mukati menguva shomanana iri kutevera.

Zanu PF neMDC Alliance ndiwo mapato ari kutungamira musarudzo kunyange hazvo zvakabuda musarudzo zvisati zvaziviswa zviri pamutemo.

MDC Alliance iri kutungamira zvine mutsindo mumaguta nemadhorobha akawanda, ukuwo Zanu PF ichitungamira zvine mutsindo munzvimbo dzakawanda kumaruwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya