Zanu-PF Yopemberera Kukunda kuMasvingo

Zanu-PF inoti icharamba ichitonga dunhu reMasvingo zvichitevera kukunda kwarakaita musarudzo. Asi mapato anopikisa anoti bato iri rakashandisa chikafu sechombo munguva yesarudzo.

Sachigaro weZanu PF, VaEzra Ruvai Chadzamira, vati vari kufara zvikuru nekukunda zvine mutsindo kwavakaita uye dunhu re Masvingo richagara riri ravo kusvika madhongi amera nyanga.

VaChadzamira vati Zanu PF ine rutsigiro rukuru muMasvingo sezvakabuda musarudzo apo yakatora zvigaro makumi maviri nezvishanu, MDC-Alliance ikahwina chimwe chete pazvigaro makumi maviri nezvitanhatu zviri mudunhu.

Asi vemasangano anopikisa vanoti kunyange hazvo sarudzo dzange dzine runyararo, Zanu PF yakakunda kumaruwa nekuti yaishandisa mbeu, feteraiza pamwe nechikafu kuti iwane rutsigiro.

VaDereck Charamba vari mukomiti inotungamirira MDC-T muMasvingo, vanoti vanhu kumaruwa vakatyityidzirwa uye vakatengwa nemari .

Mutauriri we National People’s Party, VaJefreson Chitando, vanoti mapato anopikisa akashandisirwa mari uye chikafu nembeu kune vanhu vekumaruwa vane nzara nekudaro vakazovhotera chero pavaisada.

Asi VaChadzamira varamba mashoko ekuti bato ravo raityityidzira vagari uye raishandisa mbeu nechikafu pamwe nemari yehurumende kukwezva rutsigiro vachiti mapato akakundwa ari kutsvaga huroyi pafiwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCommunity Tolerance and Reconciliation Development, Zivanai Muzorodzi, vati runyararo rwaiveko, asi pane zvizhinji zvaitika zvakakanganisa mapato anopikisa.

Asi mukuru wemabasa ku Zimbabwe Electoral Commission muMasvingo, VaZex Pudurai, vati sarudzo dzakaitwa murunyararo uye vakwikwidzi vose vaine mikana yakaenzana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Gandri Maramba