Zanu PF Inoti Iri Kuita Hurukuro Dzekuti America Ibvise Zvirango Zvose

US Trump

Zanu PF inoti iri kuita hurukuro nehurumende yaVaDonald Trump iine chinangwa chekuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru mubato iri, zvibviswe.

Sachigaro veZanu PF muNorth America Province, VaRegis Charumbira, vanoti pamusoro pekutaura nehurumende yaVaTrump, vari kutaurawo nenhengo dzedare reSenate, zvikuru komiti inoona nezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika kuitira kuti zvirango izvi zvibviswe zvachose.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende yeAmerica kuti inoti kudii pane zviri kutaurwa neZanu PF.

Asi gore rapera, VaTrump vakawedzera negore zvirango zvakamerwa vamwe vari muhurumende, muZanu PF pamwe nemakambani avanodyidzana nawo.

America yakaisa vanhu nemakambani emuZimbabwe zana nemakumi mana nemumwe pazvirango.

Vanhu ava vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru vakuru muhurumende yavo.

Muna Gumiguru gore rapera, America yakaisa pazvirango gurukota rezvekusora, VaOwen Ncube, ichivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi VaCharumbira vanoti vane tarisiro yekuti zvirango izvi zvichabviswa zvose sezvo zviri kuomesera vana veZimbabwe, zvikuru vanoshupika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRegis Charumbira