Bato reZanu PF rinoti ranga risingatarisiri chiitiko chemusi weMugovera kuBulawayo apo pakaputika chombo chakakuwadza vanhu makumi mana nevapfumbawe, vaviri vavo vakazofira kuchipatara.
Vakakuvara vari kuzvipatara zvinoti Mater Dei Hospital, Mpilo (Central) Hospital neUnited Bulawayo Hospitals (UBH).
Munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti sebato vanga vachifara kwazvo nerunyararo rwanga rwuri munyika munguva ino yesarudzo, asi chiitiko chemukupera kwesvondo ichi chakanganisa zvinhu.
VaMangwana vanoti vanhu vakaita izvi imhondi uye mapurisa achaita basa rawo rekubata mhondi idzi.
Kunyangwe hazvo mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vari kuti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi, sachigaro weZanu-PF muBulawayo VaCallistus Ndlovu vanoti aya mabasa evanopikisa kwete vanhu vemuBulawayo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPaul Mangwana