Zanu-PF Inoti Gadziriro yeMusangano Wayo wePagore Yasvika paDanho rePamusoro Soro

  • Blessing Zulu

Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa addresses ruling ZANU-PF party supporters in Zvimba, Robert Mugabe’s rural home, about 100 km southwest of Harare, Nov. 24, 2018. (C. Mavhunga/VOA)

Bato reZanu-PF rinoti gadziriro dzemusangano waro wepagore dzave padanho repamusoro soro uye semazuva ose riri kutanga kuita misangano muHarare isati yaenda kuUmzingwane High School, kuEsigodini, Matabeleland South.

Munyori wezvemutemo mubato reZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti gadziriro yemusangano wavo iri kufamba zvakanaka pasina zviri kunetsa.

Vanoti musangano uyu uchatanga nemusi weChipiri muHarare pachiitwa musangano wePolitburo vanhu vasati vaenda kuUmzingwane nemusi weChishanu uchipera neMugovera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangawna