Nhepfenyuro yakazvimirira inotepfura iri muLondon, yeSW Radio Africa, inoti yava kumira kutepfenyura zvachose sezvo yakatarisana nedambudziko rakakomba rekushaya mari.
SW Radio Africa, iyo yakamira kutepenyura pamasaisai e shortwave muna Chikunguru, yazivisa neMuvhuro kuti zvirongwa zvayo zvose, izvo zvinosanganisira zvekutepenyura paindaneti, zvichavharwa musi wa 10 Nyamavhuvhu.
Nepfenyuro iyi yakatanga kutepfenyura muna 2001 sezvo Zimbabwe yakanga isingabvumidze nhepfenyuro dzakazvimirira.
Mukuru weSW Radio Africa, Gerry Jackson, anoti vava kupeta zvirongwa zvavo sezvo vasisina mari yekuti varambe vari pabasa.
Mukuru wezvirongwa ku MISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti kuvharwa kweSW Radio Africa chinhu chinorwadza zvikuru.
Zvichakadaro, boka reBroadcasting Authority of Zimbabwe, BZA, rakoka makambani arakasarudza anoda marezinesi enhepfenyuro dzinoshanda dzakazvimirira, Commercial Radio Stations, kuti atange hurongwa hwekubvunzurudzwa musi wa 19 kusvika 29 Nyamavhuvhu.
Hurongwa uhu huchaitirwa mumaguta akasiyana siyana anosanganisira Masvingo, Zvishavane, Gweru, Mutare neKariba.
Makambani akokwa aya anosanganisira maviri ayo akatopihwa marezinesi ekutepfenyura kare anoti AB Communications, inova kambani yemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSuper Mandiwanzira, pamwe chete neZimpapers, iyo ine zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvehurumende.
AB Communications inoda marezinesi enhepfenuyuro nhatu anoti Gogogo FM iyo ichange ichishanda iri kuMasvingo, YA FM yekuZvishavane ne Faya FM yekuGweru.
Zimpapers inoda rezinensi rimwe chete renhepfenyuro achange ichinzi Diamond FM yekwaMutare.