Nhengo dzeWOZA Dzinoratidzira muBulawayo

  • Blessing Zulu

Nhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, dzinodarika mazana mashanu dzaratidzira muBulawayo neChipiri dzichiti hadzisi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vanhu vanomwe vanonzi vatora nemapurisa zvichitevera kuratidzira uku.

Sangano iri rinotiwo rinoda kuti bumbiro idzva ringe richipa matunhu masimba ekuzvitonga.

Nhengo dzeWOZA dzange dzichiratidzira dzichirara mumugwagwa dzichiita sevanhu vafa pachirongwa chavari kuti "Die In."

Vanhu ava vange vachikanda mapepa akanyorwa nezvekusagutsikana kwavo nekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, uye hurumende yemubatanidzwa.

Nhengo dzeWOZA dzaratidzira panzvimbo dzakaita seMain Street and 6th Avenue uye pabepanhau reChronicle.

Nhengo dzeWOZA idzi dzazotanga kuita hwagonzo nakiti nemapurisa anodzivirira mvonga mupopoto kana kuti Anti Riot Police.

Kuratidzira kweWOZA uku kunotevera musangano wekomiti inokokera mabasa eCOPAC wakatanga neMuvhuro kuNyanga wekuyedza kugadzirisa misariridzwa yapa kuti bumbiro rinonoke kupera. Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kupera mukati memazuva mana.

Asi WOZA inoti COPAC yanyanya kuita zvido zvemapato ezvematongerwo enyika chete kwete zvido zvevanhu.

Mumwe wevakuru veWOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu, vanoti havasi kufara nemabasa ehurumende yemubatanidzwa sezvo iri kutadza kuvandudza hupenyu wevanhu.