WikiLeaks Inoburitsa Zvinyorwa Zvakaitwa neVamiriri veAmerica Pasi Rose

Mugwaro ravakanyora rekupedzisira vasati vabva ku Zimbabwe, Ambassador Christopher Dell vakati mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, munhu ane pfungwa dzakadzika asi ari mudzvanyiriri.

Hurumende yeAmerica inoti haisi kufara nekuburitswa kwakaitwa mashoko aive pakati payo nevamiriri veAmerica kune dzimwe nyika. Mashoko aya akaburitswa nebepanhau repa internet, re WikiLeaks.

Bepanhau iri rakaburitswawo mafungiro evamwe vakuru muhurumende yeAmerica avo vakanyora magwaro vachiaendesa kubazi rezvekunze kweAmerica, re State Department.

Mashoko aya anobatawo zviri kuitika muZimbabwe. Vaimbove mumiriri weAmerica muZimbabwe, Va Christopher Dell, vakanyorawo vachiti mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, munhu anoda hutongi hwakanaka, kanyange hazvo vaine zvimwe zvinhu zvavanosarira.

Mugwaro ravakanyora rekupedzisira vasati vabva kuZimbabwe, Va Dell vakatiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, munhu ane pfungwa dzakadzika asi aine hudzvanyiriri hwakanyanya.

VaDell vakatiwo munyori mukuru wechimwe chekwata cheMDC, Va Welshman Ncube, munhu asingabatanidzi vanhu, uye mutungamiri webato ravo, Va Arthur Mutambara, munhu ane ruzivo asi aine mukaka pamhino mune zvematongerwe enyika.

Mashoko aVa Dell akaburitswa mugwaro raburitswa ne Wikileaks, iyo ine nhoroondo yezvemamiriro eAmerica, kuburikidza nezvaifungwa nevamiri venyika iyi kune dzimwe nyika, pamwe nemafungiro ayo panyika dzakawanda.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Charles Mangongera, vanoti hapana zvitsva zvizhinji zvaburitswa nemagwaro aya kunze kwekuti vamwe vaVa Mugabe vanoshanda nehurumende yeAmerica asi vachiudza vanhu kuti America yakashata.