Mutauriri wesangano reWorld Food Programme kuchamhembe kweAfrica VaDavid Orr vanoti mashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekuti Zimbabwe inyika iri parumananzombe kana kuti state of disaster panyaya yechikafu ave kureva kuti vave kusimbisa mabasa ekutsvaga mari yekubatsira vanhu vemuZimbabwe.
WFP yainge yati ichabatsira vanhu vanopfuura zviuru mazana masere munyika asi inogona kuwedzerwa huwandu uhu.
Payakati inoda kubatsira vanhu ava zvainzi vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu ndivo vaida chikafu munyika asi ikozvino vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana.
Mukuru weChristian Care, rimwe sangano rinobatsira nechikafu richishanda neWFP, Reverend Stanlus Chatikobo vanoti nzara yapfunya chisero munyika uye kuwana zvekudya kuri kunetsa.
VaChatikobo vati kana vawana mari vanobatsira vanhu nemadhora gumi pamunhu mumhuri. Vanhu vanosvika mamiriyoni makumi matatu kusanganisa kuSouth Africa kusingawanzopihwe chikafu vanonzi vakatarisana nenzara inotyisa kudunhu rekuchamhembe kweAfrica.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaStanlus Chatikobo