WASHINGTON —
Sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rinoti kusvika pari zvino vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nemazana manomwe nemakumi nemapfumbamwe kana kuti 36739 vanyoresa kuvhota kusvika musi wa 9 Kubvumbi kubva sangano iri zvaramira kuenda pedyo nemisha yevanhu kana kuti “blitz nemop up exercise”.
Kusvika zuva resarudzo rasvika vanhu vanotenderwa kuramba vachinonyoresa kuvhota musarudzo dzegore rino.
Sachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN VaAndrew Makoni vari kukurudzira vanhu kuti varambe vachienda kunonyoresa kuvhota kusvika panoziviswa zuva resarudzo nemutungamiei wenyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaAndrew Makoni