VeZanu-PF neMDC Alliance Votatsurana paNyaya yeMhirizhonga Yotanga Munyika

  • Blessing Zulu

Mnangagwa & Chamisa

Bato reMDC Alliance rinoti vatsigiri veZanu-PF vachitsigirwa nemapurisa nemauto vari kuenderera mberi vachishungurudza nhengo dzebato ravo kuMasvingo uko mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vari kusangana nevanhu, masabhuku nevamwe.

Motokari dzaVaChamisa dzinonzi dzakatemwa nemusi weMuvhuro uye kubva musi uyu wange vachiita hwakitsi nagonzo nevatsigiri veZanhu-PF nemapurisa vanonzi vari kuyedza kuvakanganisa kuita misangano yavo.

Asi veZanu-PF vanoti MDC yanyangira yaona nekuti iri kuda kusvibisa zita renyika pachauya neMuvhuro nhumwa yeUnited Nations Doctor Douhan kuzoongorora matambudziko atarisana nenyika panyaya yezvirango.

Gweta VaTinomudaishe Chinyoka, vanova nhengo yeZanu-PF vachimbomirirawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti chatove chigariro kuti pose panoitwa misangano yakakosha kunze, veMDC Alliance vanoyedza kuita zvinoita ekuti vanzi vari mukanwa mamupere.

Meya weHarare akambomiswa basa vari nhengo yeMDC Alliance VaJacob Mafume vanoti vari kushamisika kuti sei mapurisa asiri kusunga vavanoti vatsigiri veZanu-PF vari kubuda pamavhidhiyo vachitaura pachena kuti vakaita mhirizhonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka naVaJacob Mafume