MDC-T neZanu-PF Zvotatsurana paMashandiro eZBC neMamwe Mapepa eHurumende

  • Blessing Zulu

ZBC

Apo nyika yatarisana nesarudzo, vamwe vari kuchema nerekuti nyaya yekuburitswa kwemashoko panhepfenyuro nemumapepanhau ane chekuita nezvemapato ematongerwo enyika haisati yagadziriswa zviri kupa kuti bato riri kutonga reZanu-PF ripihwe mukana wakakura kudarika mamwe mapato ose anopikisa.

Izvi zvinonzi zviri kunyanya kuonekwa panhepfenyuro dzehurumende dzakaita seZBC nemapepanhau akaita seHerald, Sunday Mail neChronicle.

Nhepfenyuro nemapepanhau aya anobhadharwa mari kuburikidza nemitero yevanhu nekudaro pamutemo havafanire kutema vaine divi ravanorerekera zvikuru munguya yesarudzo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti munyika muchaitwa sarudzo dzakachena asi vanopikisa vakawanda vanoti mitemo yesarudzo inofanira kuvandudzwa kuti mashoko avo asangove gudziramukanwa.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Mazowe South, VaFortune Chasi, vanoti vari kufara nezviri kuitwa neveZBC nemamwe mapepanhau.

Asi nhengo yeMDC-T inomirira Harare Central mudare reparamende, VaMurisi Zwizwai, vanoti havasi kufara nekuburitswa kwemashoko vachiti ZBC, Herald nemamwe mapepanhau anorerekera kuZanu-PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu