VeHurumende neMDC Alliance Vopumhana Huroyi paNyaya yeKuputswa kweDzimba kuBudiriro

  • Blessing Zulu

dzimbabwe dzakaputswa kuBudiriro

Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati pehurumende nebato guru rinopikisa reMDC Alliance nezvekupwanywa kwedzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo kuBudiriro, Zimre Park nedzimwe nzvimbo kunyangwe mvura iri kunaya.

Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vakati kupwanywa kwedzimba kuri kuzoenderera mberi panomira mvura kunaya kunyangwe vakati havo kanzuru yeHarare ndiyo yakaendesa vanhu vemushandirapamwe vakavaka dzimba zvisiri pamutemo kumatare vakapihwa mvumo yekudziputsa.

Vamwe mukanzuru kuChitungwiza neHarare vari kutiwo vari kumanikidzwa nehurumende kuti vapwanye dzimba dzimwe dzacho dzakavakwa nemvumo yemamwe makurukota muhurumende.

VaMoyo vakatiwo vanhu vakaputsirwa dzimba vanokwanisa kufanoenda kunogara kuZimbabwe Grounds asi vanhu ava vari kuramba sezvo pave kutyirwa kuti pavari panogona kutanga kupararira zvirwere.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance VaClifford Hlyatwayo vanoti mameya ebato ravo ari kusungwa achimanikidzwa kupwanya dzimba.

Asi nhengo yeZanu-PF VaGilbert Dzikiti vanoti kanzuru haifanire kunakurira hurumende nyoka mhenyu nekuti ndiyo yakaenda kumatare kuti dzimba dzipwanywe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo naVaGilbert Dzikiti