VaZuma Vosvitsa Gakava reZimbabwe kuSADC

  • Blessing Zulu

Musangano webazi rezvekudzivirirwa pamwe nezvematongerwo enyika kuchamhembe kweAfrica, weSADC Troika, uri kutanga neChina muLuanda kuAngola.

Musangano uyu uri kutarisirwa kuzeya gakava remuZimbabwe pamwe nezviri kuitika kuMadagascar.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasiyane nenyaya yavo yekuti sarudzo dziitwe gore rino pasati pazadzikiswa zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMugabe vari kutarisirwawo kuudza vamwe vatungamiri venyika dzemuSADC mumusangano uchaitwa neChishanu kuti vasateerera kurudziro yaVaZuma.

VaMugabe vanoti SADC inofanira kuona kuti sarudzo dzaitwa gore rino kunyange pasina bumbiro remitemo idzva raitwa, kanawo kuvandudzwa kwemimwe mitemo ine chekuita nesarudzo.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vachange vari mumusangano weSADC Troika uchazeya gakava remuZimbabwe.

VaTsvangirai naVaMutambara vari kuda kuti Zimbabwe isamhanyire kuita sarudzo, sezvo pachine zvinhu zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Vaviri ava vari kuramba vakamirawo nerekuti Zimbabwe haisati yabuda negwara resarudzo rinotambirwa neSADC. Vamwe vakuru muSADC vanoti VaZuma vachatura gwaro repasvika nhaurirano dzemuZimbabwe kuSADC Troika neChina.

Mushure mezvo, VaZuma vari kutarisirwa zvakare kuudza neChishanu musangano mukuru we SADC zvinenge zvabuda mumusangano uchaitwa neChina. Nyika dziri mu SADC Troika iSouth Africa, inova sachigaro, Zambia neTanzania.

Gwaro richaturwa naVaZuma kuSADC richazeiwa nenyika dzose dzemuSADC.

Bepanhau reHerald, iro rakamboti Zimbabwe haisi pahurongwa hweSADC, rinoti SADC yazoisa Zimbabwe mudariro dzehurukuro.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti Zimbabwe yagara iri pazvinhu zvichakurukurwa.

Mashoko aya atsinhirwawo nemunyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, avo vati nyaya yeZimbabwe ichange iri mugango uye vakati kana pane vanoda kuti sarudzo dzisaitwe kana kuti dziitwe, vanofanirwa kuzvitaura vogutsa dare reSADC.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti vari kuda kuti SADC imise VaMugabe kuita sarudzo dzisina kuchena gore rino.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanoti vane ruzivo kuti Zanu-PF inogona kupa kurudziro yekuti sarudzo dziitwe gore rino asi vati havasi kuzozvitendera.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanotiwo havasi kuzodzokera shure panyaya yekuti sarudzo dziitwe gore rino.