VaZiyambi Voyambira "Makorokoza" Kuti Achapfurwa Akapota Achiuraya Vamwe Vavo neMapanga

  • Blessing Zulu

VaZiyambi Ziyambi

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vari kuyambira vanhu vari kupomerwa mhosva dzekuuraya vamwe nemapanga kuri kucherwa goridhe nezvimwe zviwanikwa kuti vachapfurwa nemapurisa nepfuti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi

Sangano reZimbabwe Peace Project mugwaro raro remamiriro akaita zvinhu muzvimbo dzinocherwa zviwanikwa rakati vanhu vanosvika zana nevashanu vainge vafa mukurwisana nemapanga kwevanokorokoza ava kubva muna Nyamavhuvhu kusvika muna Gumiguru chete.

Vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi maviri nemumwe vainge vakuvadzwa mukurwisana uku.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachitungamira sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga avo vanoti kupfura vanhu vasina kusungwa nekuendeswa kumatare kutyora kodzero dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga