VaZhuwao Voudza Studio 7 Kuti Sei Vari Kutsigira VaChamisa

VaPatrick Zhuwao

Muzukuru wevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe uye vaimbova gurukota muhurumende VaPatrick Zhuwao vanoti vari kutsigira mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa musarudzo dzemwedzi unoiya.

VaZhuwao ndemumwe wevanhu gumi nevashanu vakavamba bato rinopikisa reNational Patriotic Front kana kuti NPF.

Vanoti bato ravo rakatenderana kuti ritsigire mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa musarudzo dzemwedzi unouya. VaZhuwao vati chinangwa chekutsigira VaChamisa ndechekubvisa hurumende yemauto iyo vanoti inotungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa naVaConstantine Chiwenga.

Vaimbova gurukota rezvedzidzo yepamusoro muzvinafundo Jonathan Moyo vakatiwo vari kutsigira VaChamisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatrick Zhuwao