Vatungamiri vemuAfrica Vopeta Musangano kuEthiopia Vachivimbisa Kumisa Hondo

  • Blessing Zulu

Vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kuAddis Ababa, Ethiopia kumusangano wechimakumu matatu netatu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekumisa hondo dzemuAfrica kuburikidza nekunyaradza pfuti kana kuti “silencing the guns”.

Musangano wepagore wakatanga nezuro uyu uri kutarisirwa kupetwa nhasi.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa ndivo vakatora chigaro chekuva sachigaro weAfrican Union. Vamwe vanyarikani vari kumusangano uyu vanosanganisira munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres uye mutungamiri wehurumende yeCanada VaJustin Trudeau.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaisa ruoko rwavo pachibvumirano chekuti vapote vachiongororwa nevamwe vatungamiri panyaya yematongero avo kana kuti African Peer Review Mechanism chakaparurwa muna 2003. Izvi zvinoitwa pasina kusungirwa neAU.

VaMnangagwa vati kuisa ruoko rwavo munongedzo wekuti vakazvipira kuvandudza nyaya yehutongo hwejekere.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vaTamuka Chirimambowa vanoti kuna VaMnangagwa muromo hauzarirwe nerwizi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTamuka Chirimambowa