VaMugabe, VaMutambara naVaTsvangirai Vanoita Musangano neVatori veNhau

  • Jonga Kandemiiri

Vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa vasangana neChitatu muHarare, mushure mezvo vakazosangana nevatori venhau vachizivisa mamiriro akaita zvinhu munhaurirano.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanonzi varatidza kunge vari kuwirirana pamusangano uyu.

VaMugabe vati neMuvhuro vakawirirana nevamwe vavo pavanhu vachadomwa sevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika. Vanonzi vatiwo vari kutarisira kupedza zvinetswa zvasara munguva iri kutevera.

Mutauriri wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaJames Maridadi vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vati vane chivimbo chekuti zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa zvichagadziriswa gore idzva risati ratanga.

VaTsvangirai naVaMugabe vari kunetsana panyaya yekugadzwa kwakaitwa gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, pamwe nekusagadzwa kuri kuitwa mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa pavaviri ava ndedzekusagadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, kusungwa sungwa kwenhengo dzeMDC, uye kusatevedzwa kwemutemo nevakuru vakuru muZanu PF.