Sangano reGlobal Witness, iro rinoongorora pasi rose kuti zviwanikwa hazvisi kucherwa pachityorwa kodzero dzevanhu, rinoti hurumende haina kubvisa mauto kwaMarange sezviri kudiwa neveKimberly Process.
Sangano iri ratiwo kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityora nemauto. NeChina Zimbabwe yakaedza kutanga kutengesa mangoda ekwaChiadzwa, asi zvakazomiswa nehurumende.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kutengeswa kwemangoda kwakamiswa mushure mekunge mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanyora tsamba kune vakafanobata chigaro chegurukota rezvemigodhi, VaEmmerson Mnangangwa, vachiti patange paonekwa kuti kutengeswa kwemangoda aya hakuzosvibisa here chimiro chenyika sezvo paine chibvumirano neKimberly Process.
Sangano reKimberly Process rakati hapana mangoda ekwaMarange anotengeswa pasina muongorori waro.
Mutevedzeri wegurukota rezvezviwanikwa, VaMurisi Zwizwai, vatiwo ichokwadi kuti hapana muongorori we Kimberly Process ati ave munyika.
Vati zviri kuZimbabwe kuti iudze Kimberly Process kuti ichitumira muongorori wayo kana yoda kutengesa mangoda, uye kana yaona kuti iri kutevedza zvakatarwa nesangano iri. VaZwizwai vatiwo zvinonetsa kubvisa mauto pari zvino kuminda yemangoda kwaMarange nekuti minda yemangoda aya yakakurisa uye makambani aripo, ari kutadza kuichengetedza yose.
VaFarai Maguwu ndivo Director wesangano reCentre for Research and Development, iro rinogara rakaongorora zviri kuitika kwaChiadzwa. VaMaguwu vanoti mauto achiri kuonesa vanhu ndondo kwaMarange, izvo zvisingabvumidzwe neKimberly Process.