Vatsigiri veNhabvu Voramba Kubhadhara Kuona Mitambo Vachiti Iri Kudhura

  • Michael Kariati

Vamwe vatsigiri vemutambo wenhabvu vakaramba kupinda munhandare pamitambo yemaQuarter Fainari emakwikwi eChibuku Super Cup vachichema chema kuti mari yekupinda munhandare yainge yakawandisa.

Vanhu vashoma shoma ndivo vaive munhandare kuona zvikwata zvine mukurumbira kusanganisira Dynanos neFC Platinum zvinowanzoteverwa nevanhu vakawanda.

Vanonyora nezvenhabvu VaTawanda Tafirenyika vanoti munhandare yeBaobab kuNgezi kwaitambirwa mitambo maive musina vanhu kudarika zvavaitarisa.

Mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaKoseph Mutawu vanoti varikufara kuti vatsigiri venhabvu vakateerera kurudziro yavo yekuti vasaende kudzinhandare kusvika mari yepagedhe yadzikiswa.

Zvikwata zvabudirra kuenda kumasemi finals emakundano ay zvinoti Dynamos, Cranbourne Bullets, FC Platinum neNgezi. Dynamos haisati yakundwa kana matambo mumwe chete mumakundano aya.

Zvichakadaro, mitambo yenhabvu yeCastle Lager Premier Soccer League irikutanga svondo rino sekutaura kwevePremier Soccer League. FC Platinum ndiyo ine mukombe weligi uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariti