VaTony Blair Vanoti Vakagadzirira Kuita Hurukuro naVaMnangagwa Asi Vachiti Ngavawandudze Zvinhu

  • Blessing Zulu

VaTony Blair

Vaimbova mutungamiri wehurumende yeBritain VaTony Blair vanoti vakagadzirira kuita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi vachivakurudzira kuti vawandudze zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika uye nyaya dzezvehupfumi.

Zimbabwe parizvino iri kushorwa zvakanyanya neUnited Nations nemasangano anorwira kodzero dzevanhu ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu, uye kuva nechekuita nekupambwa kwevanhu nevanofungidzirwa kuti vasori.

Asi hurumende iri kuti pane vari kukurudzira kuti ipidigurwe nechisimba. Vachitaura nenhepfenyuro yeCNBC Africa, VaBlair vanoti Zimbabwe ine mukana wekuti ive pakati penyika dzakabudirira.

Hurumende yaVaBlair muna 1997 yacheka hukama neZimbabwe mushure mekutadza kuwirirana panyaya yekugoverwa kwevhu kuvatema. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti nhaurirano hadzina kuipa asi kuta kuti hurumende yeZanu-PF ivandudze zvinhu mutoro mukuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Enoch Mayida