Vazhinji Vachatadza Kuona Mitambo yeAfrica Cup of Nations

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vatsigiri venhabvu munyika vanoti vari kushungurudzwa nedanho ratorwa nekambani yeZimbabwe Broadcasting Holdings, rekusaratidza mitambo yekupedzisira ye2010 Africa Cup of Nations ichatanga kuAngola muna Ndira gore rinouya.

Kunyangwe zvazvo chikwata chemaWarrior chisiri kutamba mumakwikwi aya zvichitevera kutadza kubudirira kwakaita chikwata ichi pakatambwa mitambo yekuti chipindewo mumakwikwi aya, vatsigiri vazhinji vange vakatarisira kuti vachaona mitambo iyi.

Zvinonzi ZBH haina mari yekunze yekubhadhara mari dzinofanirwa kubhadharwa kuitira kuti ikwanise kutepfenyura mitambo iyi zviri pamutemo.

Mari iri kudiwa kuti ZBC inge ichitepfenyura mitambo iyi, iUS$5 million chete. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZBH pamusoro penyaya iyi.

Munyori mukuru muchikwata cheMonomotapa, VaDavid Makombe, vanoti veruzhinji vanotevera zviri kuitika munhau dzemitambo, vacharwadzikana zvikuru nekutadza kuona mitambo iyi.