Vasori neMapurisa Vomisa Kuratidzira neNyaya yeGukurahundi

mauto eFifth Brigade munguva yeGukurahundi

Mapurisa nevasori vanonzi vakamisa kuratidzira nekuendeswa kwemagwaro enyunyuto kudare repamusoro redzimhosva rekuBulawayo kwakanga kwakarongwa nemamwe masangano emudunhu reMatabeleland anorwira kodzero dzevanhu nemusi weChitatu.

Masangano aya ari kuda kuti hurumende iongorore nyaya yekuurayiwa kwevanhu vanonzi nevamwe vanodarika zviuru makumi maviri munguva yeGukurahundi mumakore ekuma 1980.

Kuratidzira uku kuri kuuya panguva iyo mumwe ishe wekuFilabusi VaVezi Madunha vakanyorera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nebazi reUnited Nations tsamba dzekukumbira kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe.

VaMnangagwa vakamboudza nhepfenyuro yeCNN yekuAmerica muna Gunyana kuti vakazvipira kugadzirisa nyaya iyi vachitambira zvabuda kubva kukomisheni yeNational Peace and Reconciliation Commission.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba kana mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi nezvenyaya iyi sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Mukuru wesangano re Post-Independence Survivors Trust, VaFelix Mafa Sibanda vanoti nguva yareba nyaya yeGukurahundi isina kugadziriswa.

Vanoti vanhu vakawirwa nemhirizhonga iyi nevakarasikirwa nehama dzavo vachine misodzi pamatama saka zvakakosha kuti nyaya iyi igarirwe pasi veruzhinji vagone kugadzikana mupfungwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Felix Mafa