Vanhu Voshungurudzwa kuMugodhi Uri kuWest Nicholson

Lincholson Mine Workers

Vagari veku West Nicholson muGwanda, ku Matebeleland South, vanoti vari kushayiswa mufaro nevakuru vakuru vemapurisa, uye Zanu PF pamugodhi wakapihwa veruzhinji nehurumende.

Vanhu ava vari kuti vari kunzi vabve kuitira kuti paiswe vatsigiri veZanu PF vakarerekera kuna Va Emmerson Mnangagwa.

Vari kudzingwa pamugodhi weWest Nicholson Mine ava vanoti vari kufungidzirwa kuti vaitsigira chikwata che G40 muZanu PF ne MDC- T iri kutangamirirwa naVaNelson Chamisa

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa kanawo Zanu PF pamusoro pemashoko aya.

Asi vagari vemunharaunda iyi vanoti kunetswa kwavari kuitwa kwava nemwedzi mitatu.

Vanoti kutyityidzirwa kwavanoitwa nekuvimbiswa kukuvadzwa kunoita kuti vanhu vagare vachityira hupenyu hwavo nekuti havana zvavanogona kuita kana vachinge vatanga kushungurudzwa.

Mumwe mugari, VaTawanda Shoko, vanoti vanogara vachisungwa nekukwekweredzwa kukamba nevamwe vemapurisa avanoti anoshanda nechikwata chiri kuvashungurudza.

VaShoko vanoti pane vamwe vanhuwo vanobva kunze vanouya vachishandisa mazita evakuru vakuru muhurumende mukuvavhudutsira kuti vabve pamughodhi uyu.

Nyaya dzekurohwa, kutyityidzirwa, nekumanikidzirwa mune zvematongerwo enyika dziri kuramba dzichienderera mberi zvisinei nekuti vatungamiriri vemapato ezvematongerwo enyika vari kufamba vachivimbisa veruzhinji kuti izvi hazvisi kuititka.

Veruzhinji vanoti nemazuva mashoma asara kuti nyika ipinde musarudzo, kushungurudzwa kwevanhu kucharamba kuchienderera mberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Va Tawanda Shoko