VaSimba Makoni Vanoti ZEC Iri Kukundikana Kubata Nyaya yeSarudzo

  • Blessing Zulu

Doctor Simba Makoni

Mutungamiri webato rinopikisa reMavambo Kusile Dawn Doctor Simba Makoni avo vanovewo nhengo yemubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats kana kuti Code vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa neZimbabwe Electoral Commission.

Mapato anopikisa kusanganisa ari pasi peMDC Alliance nechimwe chikwata cheMDC-T chinotungamirwa naDoctor Thokozani Khupe, anoti haasi kufara nezviri kuitwa neZEC.

Asi sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vanoti ZEC yakazvimirira uye iri kuita zvose zvakakodzera kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

VaMakoni vanoti vari kumboyedza kutaura neZEC asi kupedzera hoko padehwe retsindi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Simba Makoni