Vashoma Vobayiwa Nhomba yeCovid-19 kuChinhoyi

Vanhu vashoma vakabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 neMuvhuro pachipatara chikuru chemuChinhoyi zvekuti nenguva dza12 masikati pange pabayiwa vanhu vana chete.

Pavanhu vana ava, vaviri ndivana mukoti vepachipatara chikuru chemuChinhoyi, mumwe mukuru mubazi rezvehutano kuHarare Dr Maxwell Hove pamwe nemutapi wenhau mumwechete.

Dr Hove vakanozobayiwa nhomba semucherechedzo wekuti kunyange vakuru vezvehutano vane chivimbo nenhomba yeSinopharm yakabva kuChina iyi.

Pavabvunzwa neStudio 7 kuti vanhu vane makore api vanofanirwa kubayiwa nhomba sezvo pasina kunyatsojeka kuti sei mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga vakabayiwa nhomba iyi ivo vaine makore anodarika makumi matanhatu, Dr Hove vati kana munhu aine hutano hwakanaka anogona kubayiwa kunyange ave nemakore anodarika makumi matanhatu.

Mumwe wevakabayiwa nhomba ndisachigaro wavanamukoti mudunhu reMashonaland West VaKudakwashe Kokanai avo vanoti vanoda kuti pasave nekutya munhengo dzesangano ravo.

Vanhu vanosvika zviuru zvitanhatu vanoshanda nevanhu nguva dzakawanda kana kuti Frontline workers vanotarisirwa kubayiwa nhomba pachikamu chekutanga mudunhu reMashonaland West.

Dunhu iri rakapihwa majekiseni enhomba anosvika zviuru gumi nechimwe chete kunyange vaitarisira zviuru gumi nezviviri. Kariba iyo yatangawo kubaya nhomba yakapihwa nhomba mazana mashanu nemakumi maviri nerimwe

Zvichakadaro, mukuru anoona nezvezvirwere zvekutapurirana mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira vakamiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekushandisa zvisizvo mari yekudzidzisa vashandi mubazi ravo mazana masere basa rekudzidzisa vanhu nezveCovid-19 munyika. Dr Manangazira vakamiswa pamberi pemutongi Amai Beatrice Makwande.

Muneimwewo nyaya, nhengo dzebato reMDC Alliance gumi nembiri dzakasungwa svondo rakapera neMugovera dzamiswa pamberi pedare dzichipomherwa mhosva yekutyora mutemo weCovid-19 nekuungana zvisiri pamutemo. Asi nhengo idzi dziri kuramba mhosva iyi dzchiti dzaironga zverufu rweimwe nhengo yavo.

Mutongi wedare ramagistrate muChinhoyi Amai Tracey Muzondo vakapa nhengo dzeMDC Alliance idzi mukana wekubvisa mari yechibatiso nekubvisa madhora zviuru zvishanu pamunhu kuti dzitongwe dzichibva kumba. Gweta renhengo idzi VaFortune Murisi vati mutongi akati dzigare padzimba dzadzakanyoresa uye kuenda kumapurisa ari pedyo navo kamwechete pamasvondo maviri.

Kunyangwe vakawanda vanopikisa vari kusungwa, vanorwira kodzero dzevanhu vari kuchema chema kuti bato reZanu-PF riri kuita misangano pamadiro. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena