Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti vari kutarisira kuita musangano nehurumende svondo rino wekuzeya nyaya dzemari dzavanotambiriswa idzo vanoti hadzichakwane.
Musangano uyu uri kutarisirwa kuitwa pasi pegungano re National Joint Negotiating Council.
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vakaudza Studio 7 kuti vange vachitarisira nhaurirano idzi mwedzii uno.
Your browser doesn’t support HTML5
Mashoko aVaPaul Mavima
Hurumende svondo rapera yakambowedzera vashandi mari yekuti vambofanobatsirikana asi masangano ose evashandi vehurumende ari kuramba mari iyi achiti haikwane.
Bazi rezvehupfumi rakapa vashandi mari yakapetwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana uye madhora makumi manomwe nemashanu yemari yeAmerica iri kunzi covid allowance. Mari idzi ndedzemwedzi mitatu nhaurirano dzichiitwa.
Asi Amai Alexander vanoti vashandi vave kuda kutambiriswa nemari yekunze sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba. Vanoti vemuzvitoro vakawanda vari kubhadharisa mari dzinoenderana nedhora rekuAmerica zvosiya vashandi vachinetseka zvakanyanya.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmai Cecilia Alexander