Vashandi veHurumende Vanoti Vave Kuda Kutambiriswa neMadhora ekuAmerica

  • Blessing Zulu

VaRobson Chere naVaRaymond Majongwe

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vari kutarisira kuti hurumende ichitanga kuita hurukuro dzemihoro wevashandi vayo kutanga vhiki rino.

Asi hurukuro idzi dziri kutarisirwa kuti dzinenge dzakaoma zvikuru nekuti mamwe masangano anomirira vashandi ava ave kuti anoda kuti vatambiriswe mari nemadhora ekuAmerica sezvo dhora remunyia riri kushaya simba zvakanyanya uku mitengo yezvinhu ichiita chamurambamhuru. '

Hurumende yakapedzisira kuita musangano nevanomirira vashandi vari pasi peNational Joint Negotiating Council muna Ndira. VaMavima vati vanotenda kuti zvinhu zvaomera vashandi nekuda kwekudhura kwemitengo yezvinhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabata munyori mukuru wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere avo vati hapana kudududza pachisungo chekuti vashandi vapihwe mihoro nemadhora ekuAmerica sezvo dhora reZimbabwe risisina chariri kutenga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRobson Chere

Sangano rinomirira vashandi ava munhaurirano reAPEX Council rinotiwo riri kutsigira hurongwa hwekuti vashandi vabhadharwe nemadhora ekuAmerica.