Vashandi veHurumende Vakawanda Voronga Kuramwa Mabasa Svondo Rinouya

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Doctors Down Tools

Zvinhu munyika zvaita manyama amire nerongo sezvo vashandi vehurumende nemakambani ari pasi payo, kana kuti ma parastatals, vari kuramwa mabasa pari zvino, vamwe vacho vachitiwo vachatanga kukanda mapadza pasi svondo rinouya.

Masangano azivisa kuti ari kukanda mapadza pasi anosanganisira evarairidzi, vana mukoti, vanachiremba vanodzidzisa kuzvikoro zvepamusoro soro, vashandi veZESA, ZIMRA nemamwe mapazi.

Vashandi ava vanoti mari dzavari kutambira hadzichatenge chinhu, izvo zvava kupa kuti varamwe mabasa.

Makurukota emakambani ehurumende ose audza Studio 7 kuti itaura negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vange vari kuMozambique kumusangano weUS Africa Summit nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Kunze kwevanoshanda muhurumende, vashandi vemumabhanga vari kutiwo vave kuda kutanga kuramwa mabasa sezvo mari dzave shoma.

Kunze kwekudhura kwezvekudya, vamwe vave kubhadharisa mari yedzimba nemadhora ekuAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti mari iri kutambirwa nemushandi haikwani zvachose.

VaMugano vanoti mushandi wepasi anotoda mari inosvika madhora mazana mapfumbamwe emaRTGS pamwedzi kwete mazana matatu emaRTGS avari kupihwa pari zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukurona naMuzvinafundo Gift Mugano