Vashandi veCSC Votyira Mabasa Avo Kukambani Itsva yeBoustead Beef

  • Blessing Zulu

Vamwe vashandi vekambani yeBoustead Beef Zimbabwe iyo yakanyorerana chibvumirano neCold Storage Company chekuyedza kumutsa kambani iyi vanoti havasi kuziva kuti remangwana ravo rakamira sei sezvo vose vakambomiswa basa.

Asi vakuru vekambani iyi vari kuti vari kuita izvi kuti vambogadzirise zvinhu sezvo kambani iyi yange yave nemakore isiri kushanda zvakanaka.

Kambani iyi ine zvibayiro zvina uye kare yainge iine vashandi churu chimwe chete nemazana mashanu vakabayirwa chitupa nevamwe vainge vasina mazana manomwe. Asi ikozvino kwasara vanodarika zana chete.

Mumwe mushandi ari muHarare VaSimon Zhanda vanoti vashandi vari kunonga svosve nemuromo sezvo vari kutambiriswa mari shoma shoma zvikuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimon Zhanda


Chipangamazano chekambani yeBoustead Beef Zimbabwe, VaReginald Shoko vanoti kambani yavo inoda nguva sezvo CSC yange yave nemakore isiri kushanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaReginald Shoko