Vashandi neVashandirwi Vanoti Hurumende Haisi Kudaidzira Misangano Yakatarisirwa yeTNF

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Paul Mavhima

Munyori mukuru musangano guru revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union kana kuti ZCTU VaJaphet Moyo vanoti kunyangwe hazvo zvinhu zvakaomera vashandi, hurumende iri kukweva makumbo mukuita musangano unoiunza pamwe chete nevashandi nevashandirwi weTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF.

VaMoyo vanoti hurumende yakavavimbisa pakapedzira kuitwa musangano muna Chikumi kuti yaizodzoka nemhunduro pane zvimwe zvange zvatenderanwa asi kusvika parizvino hapana mhinduro yadzoka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Murungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Murefu vanoti ichokwadi kuti musangano weTNF wave nenguva usati waitwa.

Vanoti hazvo zvimwe zvange zvanzi zvigadziriswe zvakaitwa sekudzikamisa dhora remunyika uye kuti magetsi nemafuta ekufambisa dzimotokari zviwanikwe. Asi vanoti havazive kuti izvi zvicharamba zvakadaro here kwenguva yakareba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Israel Murefu

Sezvo tisina divi ratinorerekera, tabatawo gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima avo vati vari mubushi kuronga kuti misangano yeTNF itange.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima