Varwere Vodzoserwa Kudzimba Apo Kuramwa Mabasa kweMadhokotera, Vakoti neVamwe Kwoenderera Mberi

  • Blessing Zulu

Varwere vakawanda vanonzi vari kudzoserwa kudzimba apo kuramwa mabasa kwevakoti, vanachiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara kuri kuenderera mberi.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuti hurumende yavo vakazvipira kugadzirisa zvichemo zvevashandi vayo, hapana hurukuro dzati dzaitwa kubva zvakatanga kuramwa mabasa vashandi vemuzvipatara ava svondo rapera.

Nyaya yekukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu muzvitoro uye zvave kuitwa nevemichovha nevaridzi vedzimba zvekubhadharisa vanhu nemari yekuAmerica, zvave kupa kuti zvinhu zviomere vashandi avo vari kubhadharwa nedhora remunyika iro riri kushaya simba zuva nezuva.

Kuramwa mabasa uku kuri kuuya panguva yakaoma sezvo Zimbabwe, sedzimwe nyika pasi rose, iri kurwisa chirwere cheCovid19.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano pamwe nesangano reHealth Service Board kunyangwe hazvo takavatumira mibvunzo paWhatsApp.

Asi mutungamiri musangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vanoti hurumende haisi kuratidza kuzvipira kugadzirisa zvichemo zvavo zvavakaipa neChina svondo rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEnoch Dongo